Lyrics

Zvikanzi mwanangu hona zvondoenda Asi mwanangu ndongoenda nekurwara Moyo uri kuchema, uri kuchema kuti zvondoyenda uchasara nani Hapana pavaikwaikwanisa kutaura neni Zvese vaingotungamidza hasha Hapana pavaikwanisa kutaura neni Zvese vaingotungamidza hasha Upenyu hwenherera handina kana wokuchemera Misodzi pamatama yoerera asi varipo mai vakazvitaura Vakati upenyu hwenherera handina kana wekuchemera Misodzi pamatama yoerera asi varipo mai vakazvitaura Hama dzose dzaingotida muripo kana ndikazvitaura ndoita sendinonzvenga Upenyu hwairwadza kurarama kwacho Kukura kudai ndine vanhu vandairarama navo Mhamha kubva pamakatisiya nevanhu vese vamakasiya Kune vakati vanoda kugara nesu parufu vachida kunzi vanga vane moyo munyoro Hapana pavaikwanisa kutawura neni Zvese vaingotungamidza hasha Hapana pavaikwanisa kutawura neni Zvese vaingotungamidza hasha Upenyu hwenherera handina kana wokuchemera Misodzi pamatama yoerera asi varipo mai vakazvitaura Vakati upenyu hwenherera handina kana wekuchemera Misodzi pamatama yoerera asi varipo mai vakazvitaura Zvakange zviri nani pamakange muripo Taingove nemufaro nyangwe tisina kudya Hupenyu hwairwadza kurarama kwacho Pandinenge ndangotadza tora demo timuponde Hapana ane rudo rwakangofanana nerwamaitipa Kuchengetwa kwacho zvakatosiyana nezvamaitiita Hapana pavaikwanisa kutawura neni Zvese vaingotungamidza hasha Hapana pavaikwanisa kutawura neni Zvese vaingotungamidza hasha Upenyu hwenherera handina kana wokuchemera Misodzi pamatama yoerera asi varipo mai vakazvitaura Vakati upenyu hwenherera handina kana wekuchemera Misodzi pamatama yoerera asi varipo mai vakazvitaura Vakazvitaura Vakazvitaura
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out